S. Hwata
Chorus
M Mwari Mambo tambirai mwana wenyu V:S/A Tambirai mwana wenyu Mambo mumutore mugare naye wava wenyu mwana-a mukayeuka zvivi angasarangwe ndiyaniko? B --- Mwana wenyu Mambo mumutore mugare naye mwana uyu --- zvivi angasarangwe ndiani?
1
Muregerereiwo Mambo zvitema zvake zvose zvose
2
Mwana ndowenyu uyu musamukandire kwakadaro
3
Ngaasvike kwamunogara Mambo kuupenyu husingaperi
4
Tandirai vavengi kure vanoda kuti vamutore
5
Kanganwai zvitema zvake achifara nemi narini
6
Kristo Mambo imi makamufira muchingurei nhasi
7
Apinde mudenga mamuri Mambo sezvakaita mbavha iya
Chorus
S/A Mupeiwo rugare rwenyu wava wenyu mwana uyu mukayeuka zvivi angasarangwa ndianiko? B Mupeiwo rugare rwenyu wava wenyu mwana uyu mukayeuka zvivi ndianii?
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.