Bhaibheri

Mwari Musina Mugumo

Catholic · Nziyo · 588

J V. Chinondo

Chorus

M:S/A Mwari musina mugumo S/A Mwari musina mugumo Mambo wangu makandisika kuti ndikudei ndigokuitiraiwo makandipa zvipo zvakawanda makanditumira mwanakomana wenyu Yesu Kristo kuti andiratidze nzira yoruponeso nokundinunura Mwari musina mugumo B/T Mambo wangu musina mugumo makandisika ndigokuitirai makandipa zvipo mukanditumira mawnakomana wenyu Yesu Kristo kuti andiratidze nzira yoruponeso nokundinunura Mwari musina mugumo

1

Asi ndinoona ndichinyara kuti ndakaramba kuti ndakaramba rudo rwenyu nokuzvidza kwandakaita mitemo yenyu

2

Ndakakanganisa kwazvo ndichikusiyai nokutadza kwangu

3

Deno musingadi kundiregerera ndinga deno ndichirasika

4

Nokutadza kwangu ndakachinyirawo kirike renyu dzvene

5

Panzvimbo yokuratidza hama dzangu makwara akanaka ndakadzigumburisa

6

Simbisai chitsidzo changu regai kundisiya Amen

Chorus

S/A Mwari wangu ndinzwireiwo tsitsi pindutsai mwoyo wangu ndive nomwoyo wakasimbarara unogona kukurira zviyedzo nokupupurira chitendero netsika dzakarurama B/T Mambo wangu ndinzwireiwo tsitsi ndinzwireiwo tsitsi ndive nomwoyo wakasimbarara Unogona kukurira zviyedzo nokupupurira chitendero netsika dzakarurama

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.