A. Chamunorwa
Chorus
M: Mwari ngaarumbidzwe kudenga, ngaarumbidzwe V: S Mwari ngaarumbidzwe kudenga, pasi pano vaakanzwira tsitsi, Mwari ngaarumbidzwe kudenga, pasi pano – vagarike A Tinokuimbirai-i, tinokupfugamira-aai, tino --- kurumbidzai T Vaakanzwira tsitsi Mwari-i-i, pasi pano, vagarike --- vagarike, vagarike B Mwari-i ngaarumbidzwe kudenga, Mwari kudenga tinokukudzai, pasi-i vagarike
1
Tinokutendai pamusana pamabasaa enyu makuru anoshamisa. Ngaarumbidzwe
2
Tinokuomberai Mwari Mambo, imi Mambo wedenga, Mwari Baba vamasimba ose. Ngaarumbidzwe
3
Tinokuomberai Mambo Yesu Kristo, Mwanakomana mumwe chete. Ngaarumbidzwe
4
Mwari Mambo, hwayana yaMwari, Mwanakomana waBaba. Ngaarumbidzwe
5
Imi munobvisa matadzo apasi, tinzwireiwo tsitsi. Ngaarumbidzwe
6
Imi munobvisa matadzo apasi, donzwai zvichemo zvedu. Ngaarumbidzwe
7
Imi mugere kurudyi rwaBaba, tinzwireiwo tsitsi. Ngaarumbidzwe
8
Nokuti ndimi moga musande sande, ndimi moga Mambo. Ngaarumbidzwe
9
Ndimi moga mukurukuru, Yesu Kristo imi naMweya musande, ndimi mune mbiri, pamwe naMwari Baba. Ngaarumbidzwe
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.