Bhaibheri

Mwari Ngaarumbidzwe Kudenga

Catholic · Nziyo · 609

S.M. Ponde

Chorus

M Mwari ngaa –rumbidzwe V: S/T Mwari ngaarumbidzwe kudenga pasi pano vagarike vaakanzwira tsitsi B --- Ngaarumbidzwe ngaarumbidzwe woye, ngaa – arumbidzwe M Tinokukudzai V: S Tinokuimbirai tinokupfugamirai tinokurumbidzai B --- Mwari Baba woye noMwanakomana noMweya Musande

1

Tinokutendai pamusana pamabasa enyu, makuru anoshamisa

2

Tinokuomberai Mwari Mambo, imi Mambo wedenga, Mwari Baba vana masimba ose

3

Tinokuomberai Mambo Yeso Kristo, mwanakomana waBaba mumwe chete

4

Mwari Mambo Hwayana yaMwari, mwanakomana waBaba. Mwari Ngaarumbidzwe

5

Imi munobvisa matadzo apasi, tinzwireiwo tsitsi

6

Imi munobvisa matadzo apasi, donzwai zvichemo zvedu

7

Imi mugere kurudyi rwaBaba, tinzwireiwo tsitsi. Tinokukudzai

8

Nokuti ndimi moga musandesande, ndimi moga Mambo

9

Ndimi moga mukurukuru , Yesu Kristo naMweya Musande

10

Ndimi mune mbiri, pamwe naMwari Baba Amen. Mwari Ngaarumbidzwe

Chorus

All Pasi pano vagarike --- va-akanzwira tsitsi

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.