N. F. Kampira
Chorus
M: S/A Chinhu chandinokurairisa kwazvo ndechichi: V: S/A Vanhu vose, vakumbirirwe vanyengetererwe, varevererwe-e, vaongerwe, kuti tigogara norugare nguva dzosee, norunyararo, pakunamata Mwarii, nomugariroo unofadza Tenzi. B: --- Vanhu vose, vakumbirirwe vanyengetererwe, varevererwe-e, vaongerwe, kuti tigogara norugare nguva dzosee, norunyararo pakunamata Mwari, nomugariroo unofadza ivo Tenzi.
1
Kunongova Mwari mumwe chete nomurevereri mumwe chete.
2
Murevereri mumwe chete ndiye Yesu Kristo.
3
Huchapupu ihwohwu, hwakasaka ndigadzwe, kuva muparidzi nomunyai waMwa-ri.
Chorus
B: Mwari anoda, anoda vanhu vaponeswe, anoda --- vanhu vaponeswe --- pakuziva kuti --- ndiye ru-dzikinuro rwavose --- huchapupu pa-nguva inoda Mwari kuti vanhu vaponeswe. S/A --- Mwari anoda kuti vanhu vaponeswe --- kuti vanhu vaponeswe, vagosvitswa pakuziva --- Yesu Kristo ndiye ru-dzikinurwo rwavose, zvigova huchapupu pa-nguva, inoda Mwari, kuti vanhu vaponeswe
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.