Bhaibheri

Mwari Wangu Mandisiireiko

Catholic · Nziyo · 638

C. Chisi

Chorus

M:S Mwari wangu mandisiireiko? A --- Mwari wangu mandisiireiko? V: S/A Mwari – Mwari wangu – Mwari wangu, Mwari wangu – Mwari wangu mandisiireiko – mandisiireiko? B Mwarii, Mwari wangu – Mwari, Mwari wangu Mwari wangu mandisiireiko –mandisiireiko?

1

Ndinodana masikati asi hamupinduri nousiku asi handiwani zororo – Mwari wangu ...

2

Ini ndiri honye - handizi munhu - ndiri chinhu chinozvidzwa navanhu – Mwari wangu ...

3

Ndakaiswa kwamuri kubva ndichiri mudumbu – Mwari wangu ...

4

Ndimi Mwari wangu kubva ndichiri pazamu ramai vangu – Mwari wangu ...

Chorus

S/A Regai kuva kure nokuti njodzi – iri pedyo nokuti njodzi iri pedyo B Regai kuva kure neni-hi njodzi iri pedyo nokuti – nokuti njodzi iri pedyo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.