Bhaibheri

Mweya Musande Imi

Catholic · Nziyo · 655

A. R Augusto

Chorus

M: S/A Mweya Musande imi, imi muri mubereki wangu V: S/A Ndinosvoda nokuti nguva ndefu --- kukupai nzvimbo, imi mumoyo mangu B --- Kutaura nemi --- ndakanga ndiisina-a, yamakagoverwa --- mumoyo mangu

1

Ndipeiwo kunzwisisa kuti ndinofanira kukura – garai muchibata hana yangu

2

Nokuti nazvino ndichiri mucheche pauKristo – garai muchibata hana yangu

3

Kuti nditye nokuvenga, zvo-se zviri kunze kwokuda kwenyu – muchibata hana yangu

4

Ndibvisirwe zviya zvinogara zvichindishayisa-a-ka rugare – muchibata hana yangu

5

Kunyunyuta, kusatana kutsamwa, kuzvikudza – garai muchibata hana yangu

6

Kufungira vamwe zvakaipa, kufunga zvakasviba nokusada kuregerera vamwe – garai muchibata hana yangu

Chorus

S/A Onai handigoni kukunda, nesimba rangu munozvikwanisa mandipa simba renyu B --- Handigoni kukunda izvi zvose --- asi im-i --- ka-naa --- simba renyu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.