Bhaibheri

Mweya Musande Mambo

Catholic · Nziyo · 656

M.J.P.N Mushuku

Chorus

M: Mweya musande Mambo V: All Ndibatsireiwozve Mwari – kuchekana ukama hose norutadzo – ndigopindwa nechido chenyu Mwari ndigopindwa nechido chenyu

1

Ndinonyara kutaura nemi nokuti nguva ndefu

2

ndakanga ndisina kukupai nzvimbo

3

yamakakodzera imi mumwoyo mangu

4

Hamudi kugara pachigara-vakwati

5

munoda kugara pachitukuriro

6

ndiyo nzvimbo yenyu mumoyo mangu

7

Ndinokumbira zvikuru kubvisirwa zviya zvinogara zvichishayisa rugare

8

Kunyunyuta, kusatana kutsamwa, kuzvikudza, kufungira vamwe zvakaipa

9

Kufunga zvakasviba nokusada kuregera vamwe

10

Onai handigoni kukunda izvi nesimba rangu

11

Asi imi munozvikwanisa kana mandipa simba renyu

Chorus

All Imi – mweya musande mubereki wangu ndigopindwa nechido chenyu kuti ndirege kunyunyuta kusatana kutsamwa kufungira vamwe zvakaipa

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.