J.M. Jiri
Chorus
M: S/A Mweya waTenzi Mwari uneni V: S/A Mweya waMwari Tenzi uneni nokuti ndiye akandizoora, akandituma kuti ndisvitse shoko, shoko rakanaka kuvarombo, nokufaranutsa vakadz vinyirirwa-a. B Mweya waMwari Tenzi uneni nokuti Mwari ndiye akandizoora, akandi tuma kuti ndisvitse shoko, kuvarombo, nokufaranutsa vakadzvinyirirwa-a.
1
Akandituma kuzonyaradza vane moyo inosuwa, nokuparidzira vabatwa rusununguko.
2
Ndakatumwa kuti ndiudze vanhu gore raMwari raachazotinzwira tsitsi nezuva rake rokutsiva.
3
Asi imi muchanzi vashumiri vaTenzi, vanhu vachakutii vashandiri vaMwari wedu.
4
Tenzi anoda kutonga kwakarurama, achandiitira zvakafanira mukutendeuka kwangu.
Chorus
S/A Ndichafarira Tenzi Mwari wangu, ndichapururudzira Mwari wangu, no kuti akandipfekedza hanzu dzoruponeso akandifukidza nenguwo yoururami. B Ndichafarira Tenzi, ndichapururudzira Mwari wangu, nokuti Mwari, akandipfekedza hanzu dzoruponeso akandifukidza nenguwo yoururami.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.