Bhaibheri

Mwoyo Yedu Inofara

Catholic · Nziyo · 671

A. Shamu Maurunge

Chorus

M Mwoyo yedu V: All Inofara munaMwari M Mwoyo yedu V: All Nokuti tinovimba naye

1

Farisai muna Mwari imi makarurama rumbidzai Mambo nguva dzose

2

Tendai Mambo nembira muimbirei nziyo dzokurumbidza....

3

Iye anoda kururama nokururamisa nyika izere nounyoro hwake

4

Iye wakataura zvikaitika wakaraira zvikamira zvikasimba

5

Mwari anoparadza zano ravasemi, mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba

6

Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Mambo Mwari warwo, rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake

7

Tarirai ziso raMwari rinotarira vanomutya ivo vanogaririra tsitsi dzake

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.