Bhaibheri

Mwoyo Yedu Inofara

Catholic · Nziyo · 672

Sr Perpetua Muza (Holy Cross)

Chorus

M: Mwoyo yedu inofara muna Mwari V: S/A Nokuti tinovimba naye mwoyo yedu inofara, mwoyo yedu inofara B --- Mwoyo yedu inofara --- inofara muna Mwari, inofara

1

Farisai munaMwari imi makarurama

2

Tendai Mambo nembira muimbirei nziyo dzokurumbidza....

3

Iye anoda kururama nokururamisa nyika izere nounyoro hwaMwari

4

Iye wakataura zvikaitika akaraira zvikamira zvikasimba

5

Mwari anoparadza zano ravasemi, mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba

6

Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Mambo Mwari warwo, rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake

7

Tarirai ziso raMwari rinotarira vanomutya ivo vanogaririra tsitsi dzake

Chorus

S/A Rumbidzai Mambo wedu nguva dzose B Rumbidzai Mambo nguva dzose

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.