Bhaibheri

Mwoyo Yedu Inofara Muna Mwari

Catholic · Nziyo · 673

Sr Cecilia Mushayapokuvaka (PBVM)

Chorus

M: Mwoyo yedu inofara, mwoyo yedu Inofara-a, mwoyo yedu V: S/A Inofara muna Mwari – nokuti tinovimba naye – inofara --- nokuti tinovimba naye B Inofara muna Mwari – nokuti tinovimba naye – mwoyo yedu inofara – nokuti tinovimba naye

1

Farisai muna mwari imi vakarurama. Rumbidzai Mambo nguva dzose. Inofara....

2

Tendai Mambo nembira. Muimbirei nziyo dzokurumbidza. Inofara...

3

Iye anoda kururama nokururamisa. Nyika izere nounyoro hwaMwari. Inofara....

4

Iye akataura zvikaitika. Akarayira zvikamira zvikasimba. Inofara ...

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.