Bhaibheri

Ndakafara Ndakafara

Catholic · Nziyo · 679

J. Kaseke

Chorus

M:S/A Ndakafara-a, ndakafara vanhu vachiti kwandiri V:All Handeyi kuimba yaTenzi ndiko kunoenda marudzi emhuri dzaIsraeri --- vachindovonga Tenzi sezvaakavaraira

1

Nokuti ndiko kunotongerwa mhosva ndiko kunogara Mambo achitonga vanhu vake

2

Kumbirirai Yerusarema kuti rive norugare vanokuda ngavabudirire

3

Runyararo ngaruve norusvingo rwako norugare ngaruve mumizinda yako

4

Pamusana pehama dzangu neshamwari dzangu ndinoti rugare ngaruve mukati mako

5

Ndinokunamatira kuti ubudirire pamusana peimba yaTenzi Mwari wedu

Chorus

S/A --- Tsoka dzedu dzatsika mumazambara ako iwe, iwe Yerusarema guta rakadzorerwa runako norugare, iwe Yerusarema guta rakadzorerwa, ndafaraha tsoka dzedu dzatsika B Saka zvino --- dzatsika mumazambara ako iwe Yerusarema guta rakadzorerwa runako norugare, Yerusarema, guta rakadzorerwa ndafaraha tsoka dzedu dzatsika

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.