Bhaibheri

Ndakanga Ndakombwa Kumativi Ose

Catholic · Nziyo · 680

M. Munyaki

Chorus

M: S/A Ndakanga ndakombwa kumativi ose ndisina naanondibatsira ndikachi yeuka kuti... V: S/A Ndimi Mwari wangu --- ndimi Baba vangu --- ndimi --- muponesi wangu, ndimi muponesi weavo vanovimba nemi, muchivanunura kumaoko avavengi vavo, ndimi-i Mwari wangu B --- Ndimi Mwari wangu ndimi --- Baba vangu ndimi --- muponesi wangu --- ndimi muponesi weavo vanovimba nemi, muchivanunura kumaoko avavengi vavo, ndimi-i Mwari wangu

1

Makandinunura mumazino avaida kunditsenga

2

Makandinunura kuti ndisaparadzwe

3

Makandimirira pandakanga ndakombwa

4

Kuti ndisateiwa norurimi rwakashata

5

Makandiburitsa munhamo zhinji

6

Makandinunura kurufu

7

Musandisiye ndiri munhamo

Chorus

All Handicharega kurumbidza zita renyu, ndichariimbira – ndichikutendai

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.