W. Makumbe
Chorus
M Ndangariro V: All Dzomwoyo waMambo hadzi- tongoperi
1
Farisai muna Mwari imi vakarurama rumbidzai Mambo nembira
2
Muimbirei rwiyo rutsva ridzai zvakanaka nokuridza kukura
3
Anoita zvose nokutendeka, nyika izere nounyoro hwake
4
Rwakakomboerwa rudzi rwakaita Yave Mwari warwo rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake
5
Mambo anotarira ari kudenga, anoona vanakomana vose vavanhu
6
Anorwira mweya yavo parufu nokuvaruranisa panguva yenzara
7
Nokuti mweya yedu ichafara kwazvo maari zvatinovimba nezita rake dzvene
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.