J. Makaure
Chorus
M: Ndangariro dzomwoyo waMambo hadzitongoperi V: All Ndangariro dzomwoyo waMambo dzomwoyo waMambo hadzitongoperi ndangariro dzomwoyo waMambo
1
Farisai muna Mwari imi vakarurama, rumbidzai Mambo nembira
2
Muimbirei rwiyo rutsva ridzai zvakanaka nokuridza kukura
3
Anoita zvose nokutendeka, nyika izere nounyoro hwake
4
Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Yave Mwari warwo, rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake
5
Mambo anotarira ari kudenga, anoona vanakomana vose vavanhu
6
Anorwira mweya yavo parufu nokuvaruranisa panguva yenzara
7
Nokuti mweya yedu ichafara kwazvo maari zvatinovimba nezita rake dzvene
Chorus
S/A Muimbirei rwiyo rutsva ridzai zvakanaka muimbirei zvakanaka nokuridza kukuru B Muimbirei rwiyo rutsvaa zvakanaka muimbirei zvakanaka nokuridza kukuru
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.