Bhaibheri

Ndianiko Anganzi Mururami

Catholic · Nziyo · 692

W.S. Chirove

Chorus

M Ndianiko anganzi mururami V: B Mururami munhu asingafambi panorangana vakaipa munhu asingamiri panzira yavatadzi, anotaura zvokwadi mumwoyo make S/A --- Mururami munhu asingafambi panorangana vakaipa asingamiri pan zira, anotaura zvokwadi mumwoyo make Part 1:

1

Ndianiko angatsaukira mumba menyu

2

Ndianiko angagara pagomo renyu dzvene

Chorus

All Munhu anofamba asina mhosva anoita zvakarurama anotaura zvokwadi mumwoyo make Part 2:

3

Uyo anofamba asina mhosva

4

Uyo anoita zvakarurama

5

Anotaura zvokwadi mumwoyo make

6

Chipi nechipi chaanoita chichabudirira

Chorus

S/A Haana makuhwa parurimi rwake, haatuki waagere naye, anofungisisa murairo waMwari, masikati nousiku B --- Haana makuhwa parurimi rwake, haatuki waagere naye, anofungisisa murairo waMwari, masikati nousiku

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.