M. Mukucha
Chorus
M: Ndibatsireiwo Mambo wangu V: S/A Kuti ndisangoita samashizha anobhururutswa kwose kwose --- nemhepo asi ndive mutenderi akatsiga B Ndisangoita samashizha --- anobhururutswa kwose kwose nemhepo asi ndive mutenderi akatsiga
1
Kazhinji isu vanhu tinofarira kutorwa moyo nezvinhu zvisina maturo
2
Ndinofarira kuva munhu ane hunhu, ane chimiro uye anotendeka
3
Naizvozvo ndinokumbira kuti mundikwevere kumakwara enyu oururami
4
Turirai chichemo change ichi kuna Kristo mwana wenyu achisvitsewo kuna Mwari Baba vedu
Chorus
S/A Amai Maria musandisiye ndiri ndoga nokuti kazhinji ndiri bofu uye han ditani kuzvinyengedza B Amaai Maria musandisiye ndiri ndoga nokuti kazhinji ndiri bofu --- han ditani kuzvinyengedza
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.