Br Samson Mudadi
Chorus
M Ndimi Kristo Mambo ndimi mununuri Kudavira & Chorus: S Ndimi Kristo Mambo ndimi mununurihi ndimi Kristo makatiponesa B Ndimi Kristo --- mununuri ndimi Kristo makatiponesa
1
Ndimi Kristo mwanakomana waMwari mupenyu ndimi inzwi akava munhu akagara nesu
2
Ndimizve mwanakomana mumwechete waBaba Mambo chaiye wakafa akamuka muvafi
3
Ndimi Kristo agere kurudyi rwaMwari Baba mwana waMwari wakangoenzanawo naMwari
4
Ndimi nzira ndimi zvirokwazvo ndimi rupenyu makapiwa simba rose rokutonga naMwari
5
Ndimi Yesu Kristo mufudzi wedu wakanaka makatifira mukanunura vanhu vose
6
Ndimi Mwari Emanuere agere matiri mutungamiriri nomutariri wavanhu vose
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.