Bhaibheri

Ndinokudai Yesu Wangu

Catholic · Nziyo · 734

C.T. Mujuru

Chorus

M: Ndinokudai Yesu wangu V: All Ndinokudai Yesu wangu, ndimi makandida Mambo ndisati ndambova chinhu, ndimi makandida Mambo

1

Ndimi Mambo makandisika mukandinunura norufu rwenyu pachipiyaniso

2

Ndimi Mambo makandiita kuti ndive mwana wenyu nebhapatisimo

3

Ndimi Mambo makandizarurira denga

4

Ndimi Mambo hezvi nanhasi munondida

5

Mambo munoda kuuya kwandiri sechidyo chenyu

Chorus

S/A Uyai zvenyu Mambo, uyai zvenyu Mambo, mwoyo wangu unochemera imi B --- Zvenyu Mambo, mwoyo wangu zvenyu Mambo moyo wangu uno chemera imi

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.