A. Musiwa
Chorus
M: Ndinogara ndichitenda Mwari nguva dzose V: S/A Nokuda kwenyasha dzamakapiwa naye muna Yesu Kristo-o nokuti kana makabatana naKristo-o makapfumiswa naye pazvinhu zvose-e, pakutaura kwose, napakuziva kwo-o-se. B Nokuda kwenyasha dzamakapiwa naye muna Yesu Kristo-o kana makabatana naKristo-o makapfumiswa naye pazvinhu zvose-e, pakutaura kwose, napakuziva kwo-o-se.
1
Mashoko aKristo akagadzikana mamuri zvokuti hapana chipo chenyasha chamunoshaya.
2
Pakurindira kwamunoita kuonekwa pachena kwaTenzi wedu Yesu Kristo-o.
3
Iye achaku-chengetai zvakanaka-a kusvikira pakuguma-a kuti muzoonekwa musina-ha mhosva pazuva raTenzi wedu Yesu Kristo-o.
4
Mwari Baba vedu naTenzi Yesu Kristo ngavakupei-i nyasha norugare.
Chorus
S/A Mwari wamakadaidzwa naye-e kuzowadzana nomwanakomana wake-he Yesu Kristo Tenzi wedu ndiMwari wakatendeka, ndiMwari wakatendeka B Mwari wamakadaidzwa naye kuzowadzana nomwanakomana wake-he Yesu Kristo Tenzi wedu ndiMwari wakatendeka, Tenzi wedu wakatendeka
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.