W. Dube
Chorus
M: S/A Ndiye mufudzi wangu Mambo V: S/A Ndiye mufudzi wangu Mambo – hapana chandingashaiwa-a Mambo mufudzi wangu-u handingatyi-i nokuti iye aneni B --- Mufudzi wangu Mambo Mwari-i chandingashaiwa-a Mambo mufudzi wangu-u handingatyi-i iye aneni
1
Anondiradzika pasi pamafuro manyoro anondisesedza pamvura inozorodza
2
Unyoro nounako zvichanditevera-a anoponesa mweya wangu
3
Anondifambisa panzira dzakarurama-a nokuda kwezita rake-e
4
Tsvimbo yake inondinyaradza-a anondigadzirira dara pamberi pavavengi vangu
5
Akazodza musoro wangu mafuta mukombe wangu-u unopfachuka
Chorus
S/A Nyangwe ndikafamba mumupata werima-a handingatyi nokuti iye aneni B Nyangwe ndikafamba mumupata werima-a handingatyi iye aneni
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.