E.N.M. Dhliwayo Chimuti
Chorus
M: Ngaakudzwe iye V: All Mubati wapasi pose Areruya Areruya
1
Uyai munzwe imi mose, ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu
2
Wakashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakayambuka rwizi netsoka
3
Anobata umambo nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherekedza ndudzi
4
Rumbidzai Mwari imi vanhu, inzwi rokumurumbidza ngarinzwike
5
Iye anopa mweya yedu rupenyu, asingatenderi kuti tsoka dzedu dzitedzemuke
6
Ndakachema kwaari nomuromo wangu, akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu
7
Inzwi rake akava munhu, ndokugara nesu
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.