Bhaibheri

Pane Chido Norudo

Catholic · Nziyo · 847

S.M. Ponde

Chorus

M Pane chido-o --- ipapo V: All Pane chido norudo --- Mwari aripowo

1

Mukadzi wako achava somuzambirika, pamadziro emba yako

2

Anogara achibereka, vana vako vazhinji

3

Uchaona vana vavana vako, uve norugare

4

Vachaimba vachireva nzira dzaMwari, nokuti mbiri yake ihuru

5

Uchaona chikomborero chaMwari, mazuva ose orupenyu rwako

6

Nokuti Mwari ari kumusoro, kunyange zvakadaro ane hanya navanhu vose

7

Rudo rwaKristo rwakatiunganidza pamwe chete, ngatipembere nokufara naye

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.