Bhaibheri

Patinopira Chingwa Newaini

Catholic · Nziyo · 853

W. Nhemachena

Chorus

M: S/A Patinopira chingwa newaini V: S/A Yesu anotitora nokutipinza mumupiro wake B Mwari Baba --- anotitora nokutipinza --- mumupiro

1

Zvino munoona pachena zvatinoda kuita

2

Kare makafadzwa neropa rezvipfuwo kana nezvibereko zveminda

3

Zvino munoda rupenyu rwomunhu

4

Munoda muviri wake, njere, moyo nomweya wake

5

Munoda mabasa ake nhamo nemifaro yake

6

Gamuchirai zvose zvatiinazvo

7

Zvose ndezvenyu

8

Chingwa newaini zvichazova muviri neropa raYesu

Chorus

S/A Mambo torai zvose hapana chatinoda kuzvichengetera B --- Mambo torai zvose, hapana --- kuzvichengetera

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.