Bhaibheri

Pauro Pakuoneka VaEfeso

Catholic · Nziyo · 854

Fr. R. Chasarira

Chorus

M: S/A Pauro pakuoneka vaEfeso akati V: S/A Zvino ndava kuenda kuJesrusaremu ndakabatwa namweya-a handizivi zvichandiwira ikoko – kusiya kuti Mweya Mutsvene-e anondiyambira mumaguta ose kuti jeri nenhamo zvakandimirira. B Chionai zvino --- ndava kuenda --- ndakabatwa namweyaa – handizivi zvichandiwira ikoko Mweya Mutsvene-e - anondiyambira mumaguta ose – jeri nenhamo zvakandimirira.

1

Handina kumbozeza kukutaurirai pachena chose chakanga chine basa.

2

Handina kuteta kukutaurirai pachena zvirongwa zvose zvaMwari.

3

Zvino chinzwai ini ndinoziva kuti imi vandakafamba mukati mavo ndichiparidza umambo uhu hamuchazoona chiso changu zvakare.

Chorus

S/A Asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri – chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu – rokupupurira shoko rakanaka renyasha dzaMwari B --- Handiverengi upenyu --- sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri –ndikapedza chinhanho changu – nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira shoko rakanaka renyasha dzaMwari

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.