I. Tairoodza
Chorus
M: Rugare rwapinda mumba muno Zakeo buruka V: S/A Buruka Zakeo burukaa Zakeo buruka nhasi ruponeso rwapinda rwapinda mumba, muno Zakeo, buruka nhasi ruponeso rwapinda mumba mako B Buruka Zakeo burukaa buruka Zakeo --- rwapinda rwapinda mumba muno buruka Zakeo --- rwapinda mumba mako
1
Zakeo mupfupi muteresi waiva nechido chokuona Yeso akakwira mumukuyu kuti aone chiso chake
2
Yeso akapfuura napo akamuona ndokuti Zakeo buruka nhasi ruponeso rwapinda mumba mako
3
Vanhu vose vakanyunyutira Yesu vachiti angaenda numutadzi kundovata kumba kwake
4
Zakeo akasimbisisa kutaura Mambo achiti kubvira zvino ndichakamurirana navarombo zvose zvandiinazvo napakati
5
Uye kana paine munhu wandinenge ndakatorera chinhu chake nokunyengedza ndichamudzosera zvava zvina
Chorus
S/A Izvi ndizvo zvaitsvakwa nomwanakomana waAbrahamu, ndizvo zvaitsvakwa naye zvokutsvaka nokuponesa chakanga chakarasika B --- Ndizvo zvaitsvakwa nomwanakomana waAbrahamu, zvaitsvakwa naye zvokutsvaka nokuponesa chakanga chakarasika
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.