Bhaibheri

Rugare Rwedu Ndiye Kristo

Catholic · Nziyo · 881

E. Taruvinga & S. Kalombo

Chorus

M: S/A Rugare rwedu ndiye Kristo T Rugare ndiye Kristo V: S/A Hama dzangu mukubatana naKristo-o imii makange muri kuree, ropa raKristo rikakuswededzai kuti muve pedyo T Mukubatana naKristo hama mukubatana naKristo makange muri kure ropa raKriisto rikakuswededzai kuti muve pedyo B Mukubatana kwenyu naKristo hama dzangu mukubatana naKristo makambenge muri kure ropa raKristo rikakuswededzai kuti muve pedyo Change of Drums: M: S/A Kristo pachake-e ndiye rugare V: S/A Iye pachake-e ndiye rugare ndiye akaita kuti marudzi aya maviri ave rudzi rumwe chete-e, Kristo ndiye rugare-e T Iye rugare rwedu iye akaita kuti marudzi aya maviri ave rudzi rumwe chete-e Kristo ndiye rugare rwedu B Akapazanura chidziviridzo chaiparadzanisa nokuzviita pachake kuti ave nyakubvisa ruvengo pakati pavo-o nomuviri wake-e muviri wenyama

1

Ndinodaro nokuti akaita mutemo kuti uve pasinaa nemirairo nemirau yawoo, Kristo ndiye rugare-e

2

Kuitira kuti azoita kuti vanhu vamarudzi maviri vave rudzi rumwe chete-e, Kristo ndiye rugare-e

3

Rudzi rumwe chete rudzi runobatanidzwa naye, Kristo ndiye rugare-e

4

Uye kuti avawadzanise naMwari nechipiyaniso chake-e, Kristo ndiye rugare-e

5

Vanova muviri mumwe chete nokuuraya kwaakaita ruvengo, Kristo ndiye rugare-e Change of Drums:

Chorus

M: S/A Nokudaro Kristo V: S/A Akauya achiparidza dama rakanaka norugare kwamurii imi maiva kure norugare kwamuri maiva pedyo ndiye nyakusakisa kuti tive namweya mumwe chete-e tiwane mapindiro-o omuna Baba, Kristo ndiye rugare-e T Akauya paridza dama rakanakaa norugare kwamuri imi maiva pedyo nokuti ndiye nyakusakisa kuti tive namweya mumwe chete-e tiwane mapindirowo muna Baba Kristo ndiye rugare-e B Akauya achiparidza dama rakanaka, dama rakanaka norugare kwamuri imi maiva pedyo nokuti ndiye nyakusakisa kuti tive namweya mumwe chete-e tiwane mapindiro-owo omuna Baba nokuti Kristo ndiye rugare-e

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.