Fr R.C. Pasvani
Chorus
M: S/A Rumbidza Tenzi iwe mweya wangu-u V: S/A Rumbidza Tenzi iwe mweya wangu-u, rumbidza Tenzi Mwaari muponesi --- ndicharumbidza Tenzi ndichiri mupenyu, ndichaimba ndichirumbidza Mwari-i, Mwari wangu muupenyu hwangu hwose. B Rumbidza Tenzi-i , iwe mweya wangu-u, rumbidza Tenzi Mwaari muponesi-i, ndicharumbidza Tenzi ndichiri mupenyu-hu, ndichaimba ndichirumbidza Mwari-i, muupenyu hwangu hwose.
1
Musavimba namachinda kana nemunhu zvaka-he nokuti hapana munhu anokuponesai, rumbidza Tenzi-i
2
Zvake uyo anovimba naMwari waJakobho anotarisa kunaTezi Mwari wake, rumbidza Tenzi-i
3
Iye Tenzi anoramba akatendeseka nokusingaperi, rumbidza Tenzi-i
4
Tenzi anosunungura vasungwa-a, anosvinudza mapofu, rumbidza Tenzi-i
5
Tenzi akandidzosa kubva kumumvuri wavakafa-a akandidzosera upenyu neutano, rumbidza Tenzi-i
6
Tenzi ndiye Mambo nokusingaperi, iwe Ziyoni, Mwari wako achatonga kubvira kuzvizukuru nezvizukuru, rumbidza Tenzi-i.
Chorus
S Alleluya, Alleluya, Alleluya-a zvaakaitira mweya wangu A Alleluya, Alleluya, Alleluya Tenzi-i, zvaakaitira mweya wangu B Ndichakududzirai, ndichakududzirai, ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.