Bhaibheri

Takaitwa Vanhu Vatsva

Catholic · Nziyo · 899

F.K. Mukanyi

Chorus

M: Takaitwa vanhu vatsva V: All Takaitwa vanhu vatsva, ngatifambei murugare, murugare rwechokwadi

1

Vose vanofamba nomurairo uyu, ngavave norugare

2

Ngavave norugare nenyasha pamusoro pavo, ivo navanhu vose vaMwari

3

Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu anonditambudza

4

Nokuti ndina mavanga aJesu pamuviri wangu – mavanga aJesu pamuviri wangu

5

Muchinjikwa waTenzi Yesu Kristo unoita kuti pasi rive chinhu chakafa kwandiri

6

Ini ndichivawo chinhu chakafa kune pasi, chinhu chakafa kwariri pasi

7

Nyasha dzaTenzi wedu Jesu Kristo ngadzive nomweya yenyu hama dzangu

Chorus

S/A Chinhu chinokosha kwandiri kuva chisikwa chitsva, chinhu chinokosha kuva chisikwa chitsva B --- Chinokosha kwandiri kuva chisikwa chitsva, chinokosha kuva chisikwa chitsva

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.