C. Takura
Chorus
M Hadziperi ndangariro V: S/A Ndangariro dzomwoyo waMambo, hadzitongoperi, ndangariro dzomwoyo waMambo, ndangariro dzomwoyo waMambo, hadzitongoperi B Ndangariro dzomwoyo waMambo, hadzitongoperii, ndangariro, ndangariro dzomwoyo waMambo, hadzitongoperi
1
Farisai munaMwari imi vakarurama, rumbidzai Mambo nembira
2
Muimbirei rwiyo rwutsva ridzai zvakanaka nokuridza kukuru
3
Anoita zvose nokutendeka nyika izere nounyoro hwake
4
Rwakomborerwa rudzi rwakaita Yave Mwari warwo rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake.
5
Mambo anotarira ari kudenga anoona vanakomana vose vevanhu.
6
Anorwira mweya yavo parufu nokuvararamisa panguva yenzara.
7
Nokuti mwoyo yedu inofara kwazvo maari zvatinovimba nezita rake dzvene.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.