J. Makaure
Chorus
M: Haiwa Mambo mabasa enyu V: S/A Mabasa enyu Mambo anoshamisa kwazvo haiwa Mambo mabasa enyu anoshamisa B Mabasa enyu Mambo anoshamisa kwazvo mabasa enyu haiwa Mamboo mabasa enyu anoshamisa
1
Mabasa enyu mazhinji, makaita ose nenjere.
2
Zvipenyu zvose zvinokumirirai, kuti muzvipe zvokudya nenguva yakafanira.
3
Munotambanudza ruoko rwenyu vanhu vosee vachagutswa.
4
Mbiri yaMwari ngaigare nokusingaperi Mambo ngaafarire mabasa ake.
5
Iye anotarisira pasi ipo ndokubvunda.
6
Iye anonyongedesa makomo, iwo ndokubudisa utsi.
7
Ndichaimbira Mwari panguva yose yorupenyu rwangu, ndichaimbirai Mwari wangu ndichiripo.
8
Vatadzi ngavapere pasi, navakaipa ngavarege kuzovapo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.