Bhaibheri

Tauya Mambo

Catholic · Nziyo · 911

A. Chamunorwa

Chorus

M: Tauya Mambo Mambo tauya V: S/A Kuzopfugamira Mambo, tauya nezvipo zvomupiro Mambo Alleluya B Tauya nezvipo mubati wapasi pose, Mambo tauya nezvipo

1

Uyai munzwe imi mose, ndichakududzirai zvaakatira mweya wangu

2

Wakashandura gungwa rikava nyika yakaoma, vakayambuka rwizi netsoka

3

Anobata umambo nokusingaperi nesimba rake, meso ake anocherechedza ndudzi.

4

Rumbidzai Mwari, imi vanhu, inzwi rokumurumbidza ngarinzwike.

5

Iye anopa mweya yedu rupenyu, asingatenderi kuti tsoka dzedu dzitedzemuke

6

Ndakachema kwaari nomuromo wangu, akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.

7

Inzwi rake akava munhu, ndokugara nesu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.