Bhaibheri

Tauya Nezvipo Zvomupiro

Catholic · Nziyo · 913

S.M. Ponde

Chorus

M Tauya nezvipo zvomupiro V: All Kuzopfugamira Mambo Areruya M Zvomupiro V: All Kuzopfugamira Mambo Areruya

1

Uyai munzwe imi mose ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu

2

Wakashandura gungwa rikava nyika yakaoma vakayambuka rwizi netsoka

3

Anobata umambo nokusingaperi nesimba rake meso ake anocherekedza ndudzi

4

Rumbidzai Mwari imi vanhu inzwi rokumurumbidza ngarinzwike

5

Iye anopa mweya yedu rupenyu asingatenderi kuti tsoka dzedu dzitedzemuke

6

Ndakachema kwaari nomuromo wangu akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu

7

Inzwi rake rakava munhu ndokugara nesu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.