N. Muchenu
Chorus
M: S/A Tenzi imi rumbidzwai V: S/A Mwari wedu tinokutendai, tichirumbidza zita renyu rine mbiri, upfumi nechiremera zvinobva kwamuri, hapana chatingakupai Mwari, chatisina kupiwa nemi, tauya tichifara kuzokupai zvatinazvo, kweverai moyo yedu kwamuri. B Mwari wedu tinokutendai, imi muridzi wazvose, mupi wazvose-zvose, ndechipiko chatingakupai, chamusina kutipa, tauya kuzokupai zvipo, nemipiro imi murumbidzwe nariini.
1
Rangarirai Tenzi Mwari wedu nokuti ndiye akatipa upenyu, simba nazvose zvatiinazvo, musakanganwa-a musakanganwa kumutenda.
2
Ipai Mwari zvakakosha zvamunodisa, iye achakukomborerai sezvaakaitira Abrahama baba vokutenda
3
Mukupa kwenyu Mwari haanyengedzwe, icho chaunodyara ndichowo, ndichowo chaunokohwa.
4
Chamunopa noruoko rworudyi ruboshwe rusaziva ndokuti Baba venyu vokudenga vanoona zviri muchivande vakutendeyi, vagokutendayi.
5
Pfuma inowanikwa nenzira yakashata haibatsiri asi kuita zvinhu nenzira kwayo nenzira kwayo kunoponesa
Chorus
S/A Rumbidzai Mwari Tenzi wedu muna zvose nguva dzose tendai Mwari Baba, rutendo rwenyu murwusvitsirwe kwaari, naJesu Kristo. B Rumbidzai Mwari Tenzi wedu nguva dzose, muna zvose, mutendeyi matendo enyu muasvitsirwe-e naJesu Kristo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.