Bhaibheri

Tichazova NaMambo

Catholic · Nziyo · 948

J .L.Kaseke Chaleka

Chorus

M: S/A Tichazova naMambo narini wose V: S/A Hama dzangu hatisiri kuda kuti musazive nezvavafi kana kuti murase moyo pamusana pavo sezvinoitwa navasina chitarisiro B/T Hama dzangu --- kuda kuti musazive nezvavafi --- murase moyo pamusana pavo sezvinoitwa navasina chitarisiro

1

Izvi ndizvo zvandinokuudzai sedama raMambo

2

Nokuti iye Mambo pachake achaburuka kudenga pakudaidzira kwezwi raAngere napakuridzwa kwehwamanda yaMwari

3

Potai muchinyaradzana namashoko aya sezvo tichazova naMambo narini wose

Chorus

S/A Inga tinotendera kuti Yesu akafa akamukazve inga tinotendera ndizvowo zvichazoitwa naMwari kuna avo vakafa vakabatana naKristo B/T --- Inga tinotendera kuti Yesu akafa akamukazve --- inga tinotendera ndizvowo zvichazoitwa naMwari --- avo vakafa vakabatana naKristo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.