Bhaibheri

Tinokutendai Mambo

Catholic · Nziyo · 962

A. Mafukidze

Chorus

M: Tinokutendai Mambo V: S Mwari Mambo tinokutendai tinokupai mupiro wedu, Mambo tinokutendai B Tinokutendai Mwari Mambo tinokupai mupiro wedu

1

Mabasa enyu mazhinji, makaaita ose nenjere

2

Zvipenyu zvose zvinokumirirai, kuti muzvipe zvokudya nenguva yakafanira

3

Munotambanudza ruoko rwenyu, vanhu vose vachagutswa

4

Mbiri yaMwari ngaaigare nokusingaperi, Mambo ngaafarire mabasa ake

5

Iye anotarisa pasi, ipo ndokubvunda

6

Iye anonyongodesa makomo, iwo ndokubudisa utsi.

7

Ndichaimbira Mwari panguva yose yorupenyu rwangu, ndichaimbira Mwari nguva ichiripo

8

Vatadzi ngavapere pasi navakaipa ngavarege kuzovapo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.