M. Kanene
Chorus
M Tinokutendai Mambo V: S/A Tinokutendai Mambo, tinokupai mupirowedu, tinokutendai Mambo, tinokutendai, tinokupai mupiro wedu B Mambo Mwari we-du, tinokutendai Mambo, Ma-ambo Mwari wedu, Mwa-ri Ma-mbo, tinokutendai Mambo
1
Zvipenyu zvose zvinokumirirai kuti muzvipe zvokudya nenguva yakafanira. Tinokutendai Mambo
2
Munotambanudza ruoko rwenyu, vanhu vose vachagutswa. Tinokutendai Mambo
3
Mbiri yaMwari ngaigare nokusingaperi, Mambo ngaafarire mabasa ake. Tinokutendai Mambo
4
Iye anotarisa pasi ipo ndokubvunda. Tinokutendai Mambo
5
Iye anonyongodesa makomo iwo ndokubudisa utsi. Tinokutendai Mambo
6
Ndichaimbira Mwari panguva yose yorupenyu rwangu, ndichaimbira Mwari nguva ichiripo. Tinokutendai Mambo
7
Vatadzi ngavapere pasi navakaipa ngavarege kuzovapo. Tinokutendai Mambo
Chorus
S/A Haiwa Mambo tinokutendayi-i mabasa enyu Mambo, makaaita nenjere B --- Mabasa enyu Mambo, Mambo Mwari wedu, tinokutendai Mambo
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.