Bhaibheri

Tinokutendai Mwari Mambo

Catholic · Nziyo · 964

J. Jose

Chorus

M Tinokutendai Mwari Mambo V: S Tinokutendai Mwari Mambo tinokupai mupiro wedu, tinokutendai Mwari Mambo, tinokupai mupiro wedu. B Tinokutendai Mwari Mambo, tinokupai mupiro wedu Mwari Mambo, tinokutendai Mwari tinokupai mupiro wedu.

1

Mabasa enyu mazhinji, makaaita ose nenjere

2

Zvipenyu zvose zvinokumirirai, kuti muzvipe zvokudya nenguva yakafanira

3

Munotambanudza ruoko rwenyu, vanhu vose vachagutswa

4

Mbiri yaMwari ngaaigare nokusingaperi, Mambo ngaafarire mabasa ake

5

Iye anotarisa pasi, ipo ndokubvunda

6

Iye anonyongodesa makomo, iwo ndokubudisa utsi.

7

Ndichaimbira Mwari panguva yose yorupenyu rwangu, ndichaimbira Mwari nguva ichiripo

8

Vatadzi ngavapere pasi navakaipa ngavarege kuzovapo

Chorus

S Tinokutendai tinokupai mupiro wedu B Tinokutendai Mwari tinokupai mupiro wedu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.