Bhaibheri

Tiravidzeiwo Runako Rwenyu Mambo

Catholic · Nziyo · 976

S. Karengesha

Chorus

M: S/A Tiravidzeiwo --- runako rwenyu Mambo Runako rwenyu Mambo V: S/A Runako rwenyu Mamboo tiravidzeiwo --- mugotipa rupenyu norunako --- tiravidzeiwo runako rwenyu. B Runako rwenyu tiravidzeiwo --- rupenyu norunako --- Mambo runako rwenyu.

1

Zvirokwazvo ruponeso rwake ruri pedyo kuna vanomutya.

2

Mbiri yake ichagara munyika yedu

3

Ngoni nezvokwadi zvichasangana kururama norugare zvichakwazisana

4

Mambo achasunungura vasungwa vedu vari mugomba risine mvura

5

Nhasi tinoziva kuti Mambo achauya namangwana tichaona mbiri yake

Chorus

S/A Mwari achatipa zvakanaka nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo kururama kuchatitungamirira kuchagadzirira tsoka dzedu nzira --- nzira yorupenyu B Mwari achatipa zvinhu zvake zvakanaka, nyika yedu --- ichabereka zvibereko zvayo --- kuchatitungamirira, kuchagadzirira tsoka dzedu nzira --- nzira yorupenyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.