Bhaibheri

Handikodzeri Mambo

Catholic · Nziyo · 99

J. Makaure

Chorus

M: Handikodzeri Mamboo kuti mupinde muneni V: S/A Mamboo handikodzeri kuti mupinde muneni ingotaurai inzwi chete mweya wangu uponeswe B Mamboo handikodzeri kuti mupinde muneni ingotaurai inzwi chete mweya wangu mweya wangu uponeswe

1

Mweya wangu rumbidza Mwari, mukati mangu mose rumbidza zita rake sande

2

Mweya wangu rumbidza Mwari, usakanganwa wakaitirwa naye zvakanaka

3

Iye anoregerera zvikanganiso zvose, anokuporesa paurwere hwako hwese

4

Iye anodzikinura rupenyu rwako, anokomborera makore ose orupenyu rwako

5

Mwari akaita basa rakarurama, akaitira vanotambudzwa zvakarurama

6

Mwari ndiye rudo netsitsi, anononoka kutsamwa azere norudo

7

Haatiitiri sezvakafanira zvikanganiso zvedu, haatirovi sezvakafanira zvivi zvedu

Chorus

S/A Mambo ingotaurai inzwi chete mweya wangu uponeswe B --- Ingotaurai inzwi chete mweya wangu mweya wangu uponeswe

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.