Bhaibheri

Munamato Pakupera Kwezuva

Catholic · Minamato · 18

1

Mwari wangu ndinokupfugamirai uye ndinokudai nomwoyo wangu wose. Ndinokutendai kuti makandisika mukandiponesa nenyasha dzenyu uye mandichengetedza muswere wezuva ranhasi. Ndinokumbira kuti mugamuchire zvakanaka zvandaita sezvenyu mugondiregererawo zvose zvakaipa zvandaita. Ndidzivirireiwo usiku hwanhasi, uye nyasha dzenyu ngadzive neni pamwe navadikani vangu. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.