Bhaibheri

Munamato Wemanheru

Catholic · Minamato · 19

1

Muzita raBaba nereMwanakomana naMweya Musande. Amen.

2

Baba vangu ndinotenda chose mandichengeta nokundisesedza kose kwandaswera. Zvino ndinokumbira kuvata zvakanaka ndiri mumaoko enyu. Vhenekerai moyo wangu kuti ndione kukutadzai kwandaita nhasi, ndipeiwo kupfidza nomwoyo wose.

3

Kurangarira matadzo...

4

Kupfidza: Yesu Mambo wangu makandifira pachipiyaniso. Ndichitarira Chipiyaniso ndinoda kurega kutadza chose. Yesu wangu ndiregerereiwo. Ndinokumbira kuti mundinzwirewo tsitsi. Handidi kukutadzai zvakare. Amen.

5

Mariya Musande naYosefe Musande nemi vasande vose zvikuru, hama dzangu dziri kuna Mwari, ndikumbirireiwo kuti ndidzivirirwe usiku hwuno kurutadzo nezvakaipa zvose.

6

Angere wangu makanaka, makaitwa Muchengeti wangu naMwari, garai neni. Mweya yaVatendi vakafa ngaizorore murugare netsitsi dzaMwari. Amen.

7

Mwoyo waYesu waMwari, pindurai vatadzi, nunurai vanofa, buritsai mweya iri muPurugatorio. Yesu wangu makanakisa, ndidavirei. Kwazivai mununuri wangu. Mwari wangu, ndinoziva ndinofa, asi handizivi riniko, handizivi kupiko, handizivi seiko; asi ndinoziva kuti kana ndikafa norutadzo runouraya ndicharasirwa kumoto muzhinji. Mwoyo waYesu waMwari, kunemi ndinotarisira gracia rerufu rwakanaka, kuti ndife ndichishamwaridzana nemi misi isingaperi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.