1
Josefa Mutsvene baba muchengeti weMhandara Tsvene, imi makasarudzwa naMwari kuti muchengete Jesu Kristu ari mwana Mutsvene, pamwe naMaria amai vake Mhandara Tsvene. Zvino ndinokumbira kuti mundisvitsirewo chichemo changu kuna Jesu, chokuti ndicheneswe chose, ndifunge zvakanaka zvoga, ndiite zvakanaka zvoga, ndigozoitira Mwari nomwoyo Mutsvene. Ndibatsirei nguva dzose kugaroitira Jesu naMaria muutsvene. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.