1
Basa rokuombeka ndere mabhishopi nemapristi uye madhikoni muSangano reChiratini. Ani naani angaombeke munhu ari panjodzi yokufa kana mupristi asipo. Anoombeka anosungirwa kudzidzisa zvoUtatu Hutsvene, nezvaJesu muponesi, uye zvekuombekwa kuti inzira inomuwanira ruponeso. Zvakanaka kutaura zvishoma- zvishoma munamato wo'Kutendera' uye wo'Kupfidza', kuitira kuti manzwi anyure mumwoyo memunhu ari kuombekwa.
2
Maitiro: Ari kuombeka anotora mvura oidira katatu pamusoro pemunhu achireva manzwi aya okuti: "N. ndinokuombeka muzita raBaba naMwanakomana naMweya Mutsvene. Amen."
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.