Bhaibheri

Kunamatira Imba (Musha)

Catholic · Minamato · 34

1

Tenzi, fadzwaiwo nomusha wedu uyu. Huvepo hwenyu ngautidzivirire nokudzingira kure mhandu nemweya yose yakaipa ingatirwisa nokutikuvadza. Tichengetedzeiwo pamuviri mweya nomwoyo yedu. Daiwaro mutumwa wenyu anoera, agara mumusha wedu kuti tigogarawo murugare uye musha wedu ugova diziro rerudo nomufaro. Daiwaro chikomborero chenyu chagara pamusoro pedu nguva dzose. Tinokumbira izvi nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.