Bhaibheri

Kunamatira Chipo Chemwana

Catholic · Minamato · 35

1

Mwari Baba vedu, ubereki hose hunobva kwamuri. Chiitai kuti tigoveranewo nemi simba renyu rokusika munhu, tione mumwana wamuchatitumira, chiratidzo chipenyu chouvepo hwenyu muimba yedu. Komborerai rudo rwedu rwubereke izwi idzva rinobatana nesu mukukurumbidzai, mwoyo mutsva unokudai uye upenyu hutsva huchakupupurai. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.