1
Mwari Baba vedu, makatikomborera nechipo chevana, tinokutendai nezvipo izvi zvakakosha zvinoshongedza imba yedu. Kuseka kwavo kunotipa mufaro uye chiedza muupenyu hwedu. Ndivo zvapupu zvouvepo hwenyu mukati memusha wedu. Kukura nokuyaruka kwavo kunoratidza chakavandika chorudo rwenyu. Daiwaro vakurawo murudo rwehuvepo hwenyu nomuungwaru. Ramangwana revana vedu riri mumaoko enyu, asi isuwo tine basa rokuvaumba. Tibatsirei mukugamuchira nokuita basa iri muchokwadi kuti tivabatsire kudavira kwamuri nokuvaita zvamunoda imi kuti vazova. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.