1
Mwari ndinokutendai pamusana pavabereki vangu vadiwa, vakandida nokundiriritira. Ivai navo muvavhumbamire nohuvepo hwenyu. Zarurai mwoyo yavo vagone kuvimba nemi nguva dzose. Ndibatsirei ndigone kuvaratidza kutenda kwangu zvose zvavakandiitira. Ndiregerereiwo nguva dzose dzandakava shungurudza. Vakomborerei noutano hwakanaka uye mufaro. Ndinovaisa mumaoko enyu kuti muvachengetedze nerudo rwune upfave. Vachengetedzei vari pamwe muupenyu huno nehuchatevera. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.