1
Tenzi namavambo ezvipo zvose, musiki nyakugara pamusoro penzvimbo nenguva, ndinokurumbidzai nokukutendai pamusana pechipo chenguva. Chidimbu chose chenguva yamunopa upenyu hwangu chakakosha zvikuru. Tenzi, nhasi ndinoda kukutendai pamusana paavo vose vakagoverana neni nguva yavo yakakosha. Ndino yeuka vabereki vangu navadzidzisi. Ndinoda kukutendai nokundipa mukana wokuti ndidzidze. Zvino nguva yasvika yokuti ndiratidze pachena chokwadi changu mune zvose zvandakavavarira kudzidza. Tenzi, ndinodaira kuti ndakaita zvose sokugona kwangu kwose. Tenzi, zvino chindibatsirai kutondera zvose zvandakadzidza uye mugondipa ushingi pakupindura mibvunzo yose. Mweya Mutsvene wenyu ngauve mwenje, simba nomutungamiri wangu. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.